Bhuru (bull in English) imombe hono isina kuchekwa. Iyi ndiwo mukono unokwanisa kubereka. Bhuru rinoonekwa nenyundwa uye machende mahombe akarembera. Bhuru rinotaurwawo pamukono wedzimwe mhuka dzinosanganisira nyati, nzou; mhofu; nhoro; ngwarati nedzimwewo.

Mamwe mazita anoshandiswa ndeekuti ngunzi kana kuti handira kana hando.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti inkunzi (bull - related to kunda meaning copulate) kureva bhuru.
  • VaChewa vanoti nkhunji kana nkhunzi (bull) kureva bhuru.
  • Mururimi rweTumbuka vanoti nkhpawi (bull) kureva handira.