ChiHwesa mutauro unowanikwa kumabvazuva kweZimbabwe mudunhu reNyanga nechekumusoro. Mutauro weHwesa uri muboka reSena-Senga rinosanganisira Sena, ChiBarwe, Nsenga, Chikunda, Rue nePodzo.

Kwaziso chinjirudza

  • Kwaiwani kwaiwani: kwaziwai kwaziwai.
  • Ngatimusane machibese ano, waChungwe, Nyanguru, Makate, Saunyama, Samanyanga, VaChirenje. Munadzapeisawo inango mitupo.

Muenzaniso chinjirudza

  • Mwamuka mwamuka machibesa aSondo - mamuka mamuka mangwanani eSvondo.
  • Ewo ine ndaikuto chera madzi akusamba izvozvipa ndigadzirire kuyenda kusondo: Evo ini ndakutochera mvura yekugeza izvozvi ndigadzirire kuenda kuSvondo.
  • Ngati sambeni tienda kucheche tiyembere nakubdzvira mwari nakuti ndiye dziso ratu pazvontse zvatinaita.
  • Imwe imwe achadzagwa madzi,nzara zoka zoka,yadikuptsva minda: Imi imi, haisati yanaya mvura, minda yatsva.

Mitauro inotaurwa mudunhu reNyanga chinjirudza

Ward Mitauro
Chibisa Hwesa
Benguro Hwesa
Munondo Hwesa
Mukwewa Hwesa, Barwe
Nyamudeza Manyika
Nyamagoromondo Hwesa
Mukatsa Hwesa, Barwe
Mashumba Hwesa, Barwe
Sangoma Hwesa, Barwe
Mbiriyade Barwe