Chiedza (Chirungu: light ) zvinoreva masaisai anobvisa rima panzvimbo anova ndiwo tinogamuchira mumaziso edu patinoti tiri kuona. Chiedza chingabva kuzuva kana umwe mwenje wakaita sekenduru, moto nerambhi. If you know anyone called Chiedza, you very are blessed. Cherish her or him because they work hard for you. In other words, they shine the light for you.

Zhenje (grass torch) kureva chiswa chiri kushandiswa semwenje.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Rujeko (light, dawn).
  • Ruvheneko (light).
  • Kuvheneka (to give light).
  • Mwenje (lamp).
  • Kuhwitudza kana kuringirira (reflect) zvinotaura chiitiko chokuti chiedza chikawira pachiro chinovaima, chinotumuka kubva pachiro ichi. Sokuti kana munhu akamira pamberi pechiringiro anoona uso hwake pachiringiro nokuti chiedza chabva pauso hwake chinoti kana chawira pachiringiro chinodzoka kwaari.
  • Kungarikira (Translucent; allows light to shine through without detailed images) kureva chinhu chinotendera chiedza kudarika asi chizingawonekere zvakajeka.

Rujekese (to make things clear, enlightenment) apa kutaura kuisa nhau pachena kana kuunza kunzwisisa, kana nguva yokunge vanhu vajekerwa nezvinhu.

Tungidza mwenje tione kwatinoenda.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaKongo vanoti mwini (n.sunshine, sunlight, daylight) kureva chiedza chezuva. Mamwe mazwi: mini (n.light) kureva chiedza. Minika (v. enlighten; show a light) kuvheneka.
  • Barotse vanoti liseli (n. light) zvichireva chiedza. Basotho vanoti leseli kana maseli (n. light) zvichireva chiedza.
  • Mang'anja vanoti kuera (to be white or light) kureva kuchena. Mamwe mazwi: kuyera (of whiteness, cleanliness, brightness, clearness, purity, holiness) kureva kuchena.
  • VaMbugwe vanoti weero (light) kureva chiedza. Baila vanoti mumoni (n. light) kureva chiedza. Herero vanoti yerisa (v. enlighten; make pure, bright, polish).
  • VaTaita vanoti kuela (v. to be light) kureva kuyedza. Kwama vanoti shaŋa (v. shine, 2. be on 3. light, dawn).