Chifufuro (bribe) imari kana chimwe chine hukoshi chinoitwa kana kupiwa nemunhu kuti awane zvaanoda nenzira isiri pamutemo. Nokumwe kutaura chifufuro ndicho chiwokomuhomwe; pfumbamuromo kana kuti tsindidzo. Vanhu vanofufura nezvikonzero zvakasiyana, vamwe nokuda kwavo vamwe nokumbunyikidzwa.

Chifufuro
Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose Kurwisa Huori

Kupetera (to bribe) apa kureva kupa mari sechifufuro. Izwi iri rinenge rinotarisa pamatambidzirwo emari yacho pakuti haipihwe zviri pachena asi inoitwa zvekuvanzwa imwe nguva yakapeterwa kuti ruzhinji rusaone. Kupiwa chifufuro seizvi anonzi kupeterwa.

Muenzaniso chinjirudza

  • Mumwe anobhadhara chiwomuhomwe kumapurisa kuti mhosva yake iroveswe idzimwe kubva mubhuku remhosva.
  • Vamwe vatyairi vanobhadhara chifufuro kana vabatwa vachidarika mutemo kuti vasapiwa tikiti.
  • Vamwe vakabhadhara chiwokomuhomwe kuti vawane dzimba.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Onawo chinjirudza