Muchidzidzo cheTaranyika, chisuvi chemvura (watershed in English) zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana. Nokumwe kutaura nzvimbo yakakwirira inopatsanura nzizi inonzi muzanda.

Chisuvi chemvura: Rwizi Zambezi

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neBulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: rwizi Mazowe; rwizi Munyati; rwizi Hunyani dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa reIndian Ocean.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaSwahili vanoti tengamaji (watershed, divide).