Shoko rokuti donzvo (objective, purpose, design) rinoreva chikonzero chikuru chiri kuitirwa basa riri kuitwa. Donzvo rebasa rekuverengwa kwevanhu kuti hurumende ikwanise kuronga mabasa ayo ichiziva huwandu hwevanhu huri kushumirwa nemabasa aya.

Pasi pedonzvo pane zvinangwa zvakawanda. Zvinangwa pakuverengwa kwevanhu zvinosanganisira:

  • Kuronga mabasa ehutano.
  • Kuziva kuti huwandu hwevanhu huri kukura sei.
  • Kuziva kuti vanhukadzi nevanhurume vangani.
  • Kuziva kuti vanhu vanogara munzvimbo dzipi, vakadzidza zvakadini uye vanotambira mari yakawanda sei pagore.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Vatauri veLuganda vanoti kiloozo (n. purpose; design, intention) kureva donzvo.
  • Vatauri veLuganda vanoti kiloozo (n. opinion) kureva mafungiro.
  • VaDigo vanoti chikuwira (state of wanting to do everything - being a know-it-all).