Gomo reNyangani ndiro gomo rine hukwidza hwakanyanya muZimbabwe, rinokwira kusvika 2,592 m (8,504 ft). Gomo iri riri muInyanga National Park mudunhu reNyanga , inova nhambwe inokwana 275 km (171 mi) kuri kuChamhembe kwakadziva kuMabvazuva kweHarare. Chisuvi chegomo iri chinoonekwa padombo rinosumuka 40m kubva panzvimbo yakatenderedza dombo iri. Chimwe chikamu cheGomo reNyangani makomo madiki neduvurwi rinobata ndima inokwana 8km2. Kunoperera duvurwi kune mawere akanyanya zvichienda kuMabvazuva nekuMadokero.

Mvura inona pagore yakawanda (inokwana 2200 mm), asi munguva yechando May kusvika August kunenga kwakawoma. Gomo iri riri mudunhu re"Tropics" uye harina kunyanya kukwira saka sinowo inonaya nenguva iri kure. Sinowo yakapedzisira kuwonekwa muGomo reNyangani muna August 1935.

Nzizi neMapopoma chinjirudza