Muchidzidzo fundoyetsimba kana kuchitaurwa zveGonyo rasudurukwa (Angular displacement in English) panenge pachitsvakwa kuti poyindi iri pachiumbwa chiri kutendera paakiso, yatenderera gonyo rakakura sei kubva patangirwa.

Dendera rechiumbwa P chichipoterera akiso O isingatsukunyuki.

Somuenzanizo, tikacherechedza poyindi iri pamapeto evhiri tinoona kuti poyindi iyi hasuduruki kutiza kubva pane akiso yevhiri. Asi poyindi iyi inoshanduka pairi mukutenderera kunoita vhiri. Saka zvadai kunenge kopimiwa kuti poyindi iyi yapoterera gonyo rakadii kubva payanga iri pavambwa kupima.

Nokumwe kutaura gonyo rasudurukwa rinopima gonyo rafambwa nemutsetse kana poyindi pakutendererwa akiso inozivikanwa yakatarwa. Gonyo iri rinenge richipimwa nechiyero chinonzi radian kana kuti dhigirii kana dendera.

Pamuenzaniso uri kurudyi, kabanzu kari pachiumbwa P kari nhambwe r kubva pagoko rechiumbwa O. Gonyo θ ratendererwa nekabanzu riri kushanduka asi nhambwe r kubva pagoko haisi kuchinja. Kabanzu pakanotenderera denderedzwa kanofamba nhambwe s inotodzaniswa kugonyo rafambwa kuchishandiswa tsazaniso inoti


Gonyo rasudurukwa rinonyanya kupimwa nema radians kwete degrees. Radian inoita zvive nyore kutodzanisa gonyo rafambwa θ, nenhambwe yafambwa pamunyonga s, nenhambwe r kubva pagoko.

Somuenzaniso kana kabanzu kapoterera 360 degrees padenderedzwa rine taramunyongo r, gonyo rasudurukwa rakaenzana nenhambwe yepimamuganhu inopiwa netsazaniso inoti is 2πr Kana zvagovaniswa netaramunyongo: zviri nyore kusvika pana . Saka dendera rimwe rakaenzana ne radians.