Gumbeze ijira rakakora rinofungwa kana vanhu vorara kuti vadziyirwe.

Magumbeze pamusika ku(Algeria)

KuVaShona kune tsika yokuti kana munhu atanga kushanda anotengera vana ambuya vakabereka baba naamai vake gumbeze.

Tsika chinjirudza

  • Munhu uya haabvaruri magumbeze - apa kureva kuti munhu wacho haarari nokuti anenge achiroya.
  • Jari rudzi rwegumbeze rine mupendero une pfunha.
  • Zviri kwauri gumbeze kufuka kana kuwarira.
  • Shoko rokuti gumbeze rinobva kushoko reAfrikaans rekuti kombers kureva gumbeze.
  • Makarekare vakanga vachiruka magumbeze nemakavi avaiti magudza.

Mitauro yeBantu chinjirudza