Ruambanyeredzi | Erisi | ♈︎ | ♉︎ | ♊︎ | ♋︎ | ♌︎ | ♍︎ | ♎︎ | ♏︎ | ♐︎ | ♑︎ | ♒︎ | ♓︎ | 

Hondowe (Chirungu: aries) Hondohwe kana Erisi iboka renyeredzi reZodhiyaki, rinozivikanwawo nekuda kwezita rake rekuWestern reHondowe.[1] Hondowe iriwo zita repasirese renyeredzi inopenya pakati penyeredzi, uye inyeredzi yekutanga pakati pezviratidzo zveZodhiyaki inoteerwa naHandira.

Hondowe
Ratidzo reZodhiyaki Hondowe
Nguva (Kumadokero) Kurume 21 – Kubvumbi 19
Unganyeredzi Hondowe
Nhangande yeZodhiyaki moto
Umiriro hweZodhiyaki Vamberi
Mutongi weChiratidzo Mrongazuva
Isva Hweva
Unhongi Zuva
Udonho Chiremera
Hondowe nyeredzi

Vambo rezita chinjirudza

Hondowe zvinoreva kuti 'ram' muchirungu, ndiro hwai yechirume.

Mammwe mazita aHondowe ndi: Gondobwe / Gondohwe, Hondohwe uye Erisi muchirungu kukopera shoko reChiratini rekuti 'aries'.

Zita renyeredzi iyi reChirungu rakabva kuzita remwari weVaroma, Aries mwari weHondo. Aive mwana waZusu naHera.

Ruambangano chinjirudza

Tarisai peji renyaya Erisi

Muruambangano yeVagiriki Aries ndi mwari wehondo, mwana waZusu (Zeus) na Hera.[2]

Hondowe anomiririra mhirizhonga nemasimba epanyama ehondo. Vamwe vanoti Hondowe aive mudiwa waAfurodhayiti (Aphrodite) uye akabatwa mukuzvidzwa nemurume wake, Hefestasi (Hephaestus), mushure mekunge nyaya yavo yawanikwa pakati peVaorimbiya (Olympian).[2]

Hondowe akange asina kudzikama, asi aive neshungu kwazvo, uye anozivikanwa nekunyanyisa-kuita kusvira uye aive nesimba nehasha mumwiri.[2]

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. The possessive ( en: genitive ) of the word "Aries" in Latin is "Arietis" and this is the form of a name that appears in the names of the stars of this group such as Alpha Arietis, etc.
  2. 2.0 2.1 2.2 https://www.elitedaily.com/lifestyle/zodiac-sign-god-goddess#:~:text=Aries%3A%20Ares%2C%20God%20Of%20War,and%20physical%20aspects%20of%20battle. Yakatariswa: 24 Chikumi 2021