Imba yeSatyagraha,sekuzivikanwa kwainoitwa seImba yeGandhi,musha unowanikwa munzvimbo yeJoni waiva waMahatma Gandhi uyezve nzvimbo yaaigara nekushandira pakati kwemakore 1908 ne 1909.Imba yakanyoreswa sechidimbu chenhoroondo yenhaka yeJoni. Imba inowanikwa nekuchengeterwa zvinhu zvaaishandisa munguva yekare uyezve senzvimbo inovhakachirwa nekugarwa nevashanyi. Satyagraha zvinoreva kurudziro yechokwadi. Imba iyi yakagadzirwa zvakafanira nemuvaki Herman Kallenbach achigadzirira Gandhi naiye pachezvake.

Imba yeSatyagraha
pamberi pemba

NHOROONDO chinjirudza

Ghandi akagara muSouth Africa kwemakore 21 kubva muna 1893 kusvika muna1914, kunyangwe zvazvo aimboshanyira nyika ye India zvese ne nyika ye UK. [1] Zvinonzi Ghandi akazotoziwa nezvehusaruraganda paakasungirwa pachiteshi chechitima che Pietermaritzburg apinda maisabvumirwa vanhu vatema.[2]

Muna 1904, Ghandi akasangana na Kallenbach MuJerimani akanga auya ku South Africa muna 1896. Kallenbach akanga ari bhiridha. Muna 1907, Kallenbach akavaka dzimba mbiri dzakafanana nedzaivakwa nevatema asi achishandisa zvaishandisa varungu. Imba iyi yakapihwa zita rekuti 'Kraal' rinoreva danga muchirungu ne Afrikaans.

Imba yeSatyagraha yaive nedanga remhuka nepanotambirwa mutambo weTennis,asi vese vairarama hupenyu hwerunyararo hwakadzikama. Ghandi airara muimba yaive pamusoro paaikwira neladder asi iye naKallenbach vaishandisa vese imba yekubikira nekugamuchira vaenzi muimba yekutandarira. Imba yacho yaive isina musuwo inosangana,saka vaifanirwa kutanga vabuda mune imwe imba kuti vakwanise kupinda mune imwe imba. Hupenyu hwaKallenbach hwakashandurwa nemararamiro avaiita vari vaviri uyezve mari yaaishandisa iye Kallenbach pachezvake yaidamburwa kagumi pane yaaiwana. Vakabva mugore ra1909,imba yavaigara ikazogarwa nevakawanda mushure mekuzotengwa mugore ra2009 nevezvemabhizimusi vanova Voyageurs du Monde vachitengera Hurumende yeINDIA senharaunda yenyika ndokuzoigadzira kuti veruzhinji vakwanise kushanya mugore. Zvese izvi zvakaitika mugore ra2011.

Museum inochengetwa na Lauren Segal, anochengeta mamwe ma museum,zvese ne museum ye Rusaruraganda ku South Africa (Apartheid). Satyagraha zvinoreva kuti simba re chokwadi, tichitarisa ku nyunyuta murunyararo kwakatangwa na Gandhi achigara mu South Africa.