Katahwi (hymen in English) rukanda runowanikwa pamukana wembutu, rukanda urwu runovhara muronga unobva kunze uchipinda mukati mune chibereko. Kunonzi rukanda urwu runodambuka munhukadzi paanovamba kurara nemurume. Mune vamwe vanhukadzi rukanda urwu runodambuka kana vari kuita mitambo inosanganisira kumhanya, kutasva mabhiza nezvimwewo.