Madomasi kana matomasi (tomato) kana kuti matomasi kana kuti mapuno, idzinde rinobereka muchero unotsvuka kana uchinge waibva unoshandiswa pakubika usavi. Domasi rine ganda gobvu nemukati mune chimunyepfu chine mhodzi mukati.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Mapuno, buno, guzungu, makuzunga kana gukuzumbu.


Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Izwi rokuti inyanya (tomato) rinotaurwa mururimi rweLuwanga.
  • VaDigo vanoti nyanya (tomato) kureva madomasi.
  • VaLuhya vanoti inyanya (tomato) kureva domasi.
  • VaSwahili vanoti mnyanya (tomato plant).
  • VaTumbuka vanoti mapuno (tomatoes) kureva madomasi.