Muringo

(runangakatsva kubva kuMisandu yeSebhe)

Muchidzidzo fundoyetsimba, muringo yesebhe (States of Matter) izita rapiwa kududza chimiro chezvinhu zvinobatika nekuonekwa nekunzwikwa pakunge zvasvitswa panharaunda yakasiyana hujoto kana mutsindo (temperature and pressure). Kune miringo mitatu yemvura zvichienderana nehujoto hwemvura yacho.

Mufananidzo we Muringo ye sebhe

Muringo ye sebhe chinjirudza

? (Plasma) chinjirudza

Gasi chinjirudza

Gasi (Gas) - iri zita rapiwa kuzvinhu zvinenga mweya watinofema, zvisingabatike, asi zvichigona kunzwika kuti zviripo. Gasi rinotambanuka kuzadza nzvimbo kana rongo raunenge waiswa, zvakare unogona kutsindirwa kana mutsindo wawedzerwa. Mienzaniso yegasi inosanganidza oxygen, carbon dioxide, hydrogen, hydrogen sulphide zvichingodaro

Mutuvi chinjirudza

Mutuvi (Liquid) - iri zita rapiwa kududza chinhu chine kutaridzika kunenge kwemvura inoyerera. Chinhu chine muringo weMutuvi chinoyerera uye chakadirwa mugapu, chinotora kuumbwa kwakaita gapu iroro zvichienderana nehuwandu wemutuvi wacho. Muenzaniso wemituvi inosanganisira mvura, mukaka, huchi, peturu, zvichingodaro. Iri zita rapiwa richitoredzera mutuvi unova mvura iya yemukaka.

Godo chinjirudza

Godo (solid) - iri izwi rapiwa kutsangudza chinhu chakaumbana chisingayerere chingafananidzwa nedombo kana simbi. Takatarisana nemvura tinoona inoita magodo emazaya echando (ice) kana mvura yatondodzwa zviri pasi pe 0o Celsius. Magodo haayerere uye anochengeta kuumbwa kwaakaitwa, pasina kutsindirika kwakanyanya kungaitwa.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Lubwisi vanoti mulingo (n. kind, type, style, way, method, manner, means). Mamwe mazwi: mulingo (quantity, number of times, multiplication).
  • VaGungu vanoti mulingo kana milingo (n. state, mode, appearance; the way s.b. stays or s.t. appears.).
  • VaNande vanoti eriwata (n. be solid). Mamwe mazwi: enyúmba yámáwáta (the house is solid).
  • VaTsonga vanoti yima (v. stand). Mamwe mazwi: xiyimo (n. state; status).