Mugodhi (Mine in English) imhando yehushangazhi hunochera matombo akakosha kubva muvhu, nokukorora simbi kubuda mumatombo anenge acherwa. Matombo aya anogona kunge aine simbi dzakakosha kana kuti achishandiswa mune mamwe mabasa anowanikwa muhushangazhi.

  • Munyika yeZimbabwe mune migodhi inochera simbi dzakakosha dzinoti:ndarama; platiunum; chrome uye lithium.
  • Kunoitawo migodhi inochera mamwe matombo asiri esimbi anoti: ngoda; limestone; magnesium uye silicates.
  • Matombo ane simbi yakakosha anodanwa kunzi chitofu - (ore in English).
  • Matombo asina simbi yakakosha anodanwa kunzi mambara - (waste rock in English).

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kufashukira (Overflow).
  • Makina (any explosives e.g. dynamite) apa kureva zvinoputika zvinoshandiswa kutsemura matombo kana kuputitsa zvimwewo zvinhu.
  • Gowasimbi (Metallurgy) izwi riri kushandiswa pazvinyorwa zvino kuturikira chinonzi metallurgy kuEnglish, zvichireva mabasa nehunyanzvi hwekukohwa simbi mubva mumatombo anocherwa pamugodhi.
  • Njomboro (Eng. jumpers, rock-drill used in mining).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti umgodi kana imigodi (Mine, mine-shaft.) vachireva mugodhi. Bukusu vanoti buurare (n. iron ore; copper ore) kureva utare.
  • MaZulu vanoti umgodi kana imigodi (Hole of considerable size excavated in the soil; pit (as made by an ant-bear or in the kraal for storing grain) vachireva gomba guru.
  • MaZulu vanoti umtapi (n. Mine owner) vachireva muridzi wemugodhi. MaZulu vanoti umtapi (Collector of honey, moulding-clay, ore, etc) vachireva mumori wehuchi.
  • MaZulu vanoti umtapo kana umthapho (Source of supply - of clay, ore, honey; mine; find) vachireva panobva rondo, utare kana huchi.