Mutemo waPareto chinyorwa chinodudzira hukama huripo pakati pehonzeri zvinokonzera zviitiko zvizhinji, nemusaka kana mhedzisiro dzinoonekwa pazviitiko izvozvi. Mutemo uyu wakanyorwa nemurume ainzi Joseph M Juran wekuUnited States of America uyo aiva nyanzvi yeruzivo rwehumaneja. Joseph M. Juran akatumidza mutemo uwu zita reimwe nyanzvi yainzi Vilfredo Pareto; murume uyu aiva chizvarwa cheku Italy. Mugore ra1906 Vilfredo Pareto akanga avarura chinyorwa chaiwongorora nhau yekugovewa kweivhu munyika yeItaly. Pareto akacherechedza kuti zvikamu zvevhu makumi masere kubva muzana (80%) zvakanga zviri mumawoko echikamu chevanhu makumi maviri kubva muzana (20%).


Mutemo waPareto unoti, pakuverengwa kwehonzeri nemusaka, zvikamu makumi masere kubva muzana (80%) zvemusaka inoonekwa zvinokonzerwa nehonzeri zvikamu makumi maviri kubva muzana (20%).


Zvichitodzana nemutemo uyu, kunonzi mumabhindauko chikamu makumi manomwe kubva muzana (80%) chezvinotengwa chinotengwa nechikamu makumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi - kureva kuti ruzhinji rwevatengi (80%) vanotenga zvjnhu zvine hukoshi hwunosvika 20%. Hapana chakakosha panhamba 80% asi kungoti ndiyo nhamba inonyanya kuwonekwa panocherechedzwa hukama hwezvikonzero nemhedzisiro pazvinhu zvizhinji.


Mimwe mienzaniso chinjirudza

Zvichitodzana zvakare nemutemo uyu hanzi hukama hunotevera hwakawonekwa mumabhindauko:

  • 80% yemari inobatwa (profit) inobva kuchikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi
  • 80% yezvichemo zvinouya zvinobva kuchikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi
  • 80% yenguva inomisa basa pamuchina inokonzerwa nechikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chezvinono zvinomisa basa.
  • 80% yezvinhu zvinotengeswa nechitoro zvinenge zvatengeswa nechikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevashandi vanotengesa.
 
Muenzaniso weMutemo waPareto uchiratidza zvikonzero zvinoita vashandi vanonoke kubasa

Njodzi kumabasa chinjirudza

Mutemo waPareto unoshandiswa muhushangazhi kunongedza njodzi dzinonyanya kukonzera kuti vashandi vasangane netsaona pabasa. Kuchitevedzwa mutemo uyu zvinoreva kuti chikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chenjodzi chinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi masere kubva muzana (80%). Saka vanodzidzisa zvokudzivirira tsaona pabasa vanonangana nokurwisa chikamu che 20% chenjodzi idzi dzinokonzera chikamu chetsaona chiri pa 80%. Izvi zvinorevawo kuti vanodzivirira tsaona vakasacherechedza njodzi dzinokonzera 80% yetsaona, vakangoti toita chero, zvichakaro itika ndezvekuti vacharwisana nechikamu chemakumi masere (80%) chenjodzi dzinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi maviri (20%). Uku kureva kuti nguva nemari inoshnda pasina shanduko huru inobudapo.

Asi kana nguva nemari zvikashanda kurwisana nechikamu chemakumi maviri (20%) chenjodzi chinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi masere (80%), panokwanisa kuwonekwa shanduko yakakura mukuderera kwetsaona.

Hupfumi Pasirose chinjirudza

Hanzi nyanzvi dzezvehupfumi dzakavarura gwaro mugore ra 1992 raitaura kuti chikamu che 82.7% chemari inotambirwa Pasirose inotambirwa nevanhu vane huwandu hwechikamu che 20% yevanhu vari Pasirose.