Muchidzidzo masvomhu, izwi rokuti rugamhidzano (Proportionality in English) rinotaura huripo pakati pehuwandu hwezvipimwa zviviri. Ngatitii munhu anoshanda pabasa panobhadhara $60 pazuva (8hr). Kana akashanda 6 awa anenge akafanirwa kubhadharwa $45 kana kuti (60 x 6/8) nokuti ashanda dimbu rezuva chete. Iyi ndiyo mari inoyenderana nenguva yaashanda. Akashandawo 4 awa, anenge akafanirwa kubhadharwa $30 kana kuti (60 x 4/8). Saka apa mubhadharo unopiwa serugamhidzano rwemari yepazuva rose rokubata basa (8hrs). Kutaura kwekuti muzasedimbu kunorevera kuti huwandu hwemari yabhadharwa hunofananidzwa nemari yekushanda zuva rose nedimbu rinonyorwa patsazaniso sezvizvi:

y na x dzine rugamhidzano rwakadondeka


Mari yabhadharwa = (Mari yepazuva x Nguva yashandwa)/(Nguva yekushandwa pazuva) = (60 x N) x 1/(8)


Kureva kuti chikamu chezuva chinobhadharwa chichitevera chivavatara chemuzasedimbu 1/8, apa N anomirira awa dzashandwa pazuva. Munhu achinge ashanda zuva rose (8hr) anowana chikamu (8/8 = 1) chemari yepazuva, inova (60 X 1)


Mhando dzeRugamhidzano chinjirudza

 
Apa x na y zvine Rugamhidzano rwakakondeka

 : y = 1/x Kuti pabude y panokondekwa x kunze kwepana x = 0.

Rugamhidzano rwakadondeka runoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchikura panokurawo huwandu hwechimwe chepiri. Somuenzaniso wapiwa pamusoro wokuti mari inobhadhrwa munhu inowanda nokuwandawo kuniota nguva yaashanda. Mumwe muenzaniso weRugamhidzano rwakadondeka runowonekwa nderwekuti chikafu chinodyiwa nevanhu pamabiko chinowanda nokuwanda kunoitawo vanhu vauya pamabiko.


Rugamhidzano rwakakondeka runoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchidzika apo panenge pachikwira huwandu hwechimwe chepiri. Somuenzaniso kana muchovha uri kufamba kubva Harare kuenda kwaMutare, nguva inotorwa kufamba rwendo urwu inodzika apo panokwira spidhi yemuchovha. Apa tinoti spidhi nenguva yerwendo zvine Rugamhidzano rwakakondeka. Kana pachisakurwa maricho, nguva inotorwa kusakura munda acre rimwe inodzika kana huwandu hwevanhu vari kushanda maricho huchikwira. Apa zvakare nguva yekusakura nehuwandu hwevanhu zvine Rugamhidzano rwakakondeka.

Mashoko ari pano achada kugadziridzwa kuti areve zvinodiwa nemazvo.