Nyamafingu (kureva cobra) inyoka ine huturu inowanikwa muAfurika, Ezhiya nekuIndia. Nyamafingu inoti kana yashatirwa inofutisa mativi emusoro - kunova kunobva zita rookuti nyamafingu; izvo zvakafuta kumativi ndizvo mafingu. Sezvinoita nyoka dzese inofutisa pahuro ichichisidzira chete. Inozviitira kuti isatambisa huturu hwayo uhwo inoda pakuvhima chikafu. Inokwanisa kuzviita izvi nekutambaradza mbabvu dzayo.