Nyanza (Chirungu: lake) kana gawa mutumbi wemvura wakakura samare uye uchiwanikwa padunhu. Muenzaniso ndidzo mvura dzinenge: Lake Malawi; Lake Victoria; Lake Tanganyika; Lake Chad. Nyanza inenge iri mvura yakaungana pasina kuvakirwa dhamu; izvi zvinosiyana neKariba Dam rakavakwa nevanhu. Zita iri rasiyanisa nekutaura kwemazuva ose kunoti nyanza negungwa zvimwechete.

Nyanza Nahuel Huapi (Argentina)
Nyanza Malawi

Zita iri riri kutoredzera pamutauro weChewa unoti Lake Malawi inonzi Nyanja - pano pavandudzwa kuti zviende kuChiShona. PaNhevedzwa dzeMvura nyanza dzinochengeta mvura isina munyu padunhu.

Ziwumbe rine nyanza zhinji ndiro ziwumbe reNorth America rine nyanza dzinoti: Lake Erie; Lake Huron; Lake Ontario; Lake Superior; Lake Winnipeg; Lake Winnipegosis; Lake Manitoba nedzimwewo nyanza zhinji dzine mvura yakachena.

ChiBantu chinjirudza