Saga (sack) ibhegi rakarukwa neshinda dzakasimba rinoshandiswa kurongera zvinhu zvakaita sechibage, gorosi, donje kana dzimwe mbeu. Makarekare masaga aigadzirwa neshinda dzakuruzwa kubva paddzinde rinonzi gonje. Mazuvano masaga anogadzirwa neshinda dzinobva pakubikwa kwemafuta ePetroleum.