Kushambira

(runangakatsva kubva kuShambira)

Kushambira (swimming) zvinoreva kuyangarara pamusoro pemvura munhu achienda mberi kuburikidza nokuchayira mvura kumashure nemaoko nemakumbo. Vanhu vanoshambira munzvimbo dzinoti: rwizi, dziva, dziva rokushambira; nyanza; negungwa. Kushambira kunoitwa sekuvaraidza nguva, kutamba, kana makwikwi

Zimbabwe ine musikana akakunda kumakwikwi ePasirose anonzi Olympics. Musikana uyu anonzi Kirsty Coventry akatora menduru dze gold ne bronze pamitambo ya2008.

Tsika chinjirudza

Vanoshambira vane mbatya dzavanopfeka dzakagadzirirwa kuti vasaremerwa nemvura inenge yachakwatisa mbatya. Jira rinosoneswa mbatya dzekushambira rakagadzirwa kuti risabata mvura yakawanda. Kutsika dzeVarungu zviri mavari kuti vabereki vanoshambira pamwe nevana vavo kana kuti muroora anoshambira natezvara akapfeka mbatya dzokushambira.

Kuno kuAfrica vanhu Vatema vashoma vanoshambira zvikurusei kune vakura kana vakaroorana. Hachisi chinhu chinotariswa mune zvakanaka kuti mubereki anoshambira pamwe nemwana kana kuti muroora natezvara. Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvagara kumhiri kwemakungwa kuEurope, USA neAustralia yave tsika yave kuonekwa kuti vabereki vanoshambira nevana vavo; izvi zvichitevedzawo tsika nemitemo yenyika idzodzo.

Kunyika idzi vanoda kuti mwana ari pasi pemakore gumi nemaviri ave nemukuru anomutarira kana ari mudziva rokushambira. Kazhinji zhinji mubereki ndiye anotora danho irori rokuva mutariri wevana vake. Zvisineiwo zvinotaridza kuti vanhu vechizvarwa cheZimbabwe vanokasira kutorawo tsika dzekunyika dzavakatamira - kusiri kunzi maitiro aya akashata kana kururama.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti ukuhlamba (swim) vachireva kushambira. Muenzaniso: Amadada ayahlamba (The ducks are swimming).
  • VaLenje vanoti samba (v. swim, float) vachireva kuramba uri pamusoro pemvura. Fananidzai nezvinoitika pakushambira?
  • VaGiryama vanoti mutsara kana ritsara (artificial pool). VaTsonga vanoti bukuxa (v. swim) kureva kubhukuja.
  • VaMambwe vanoti kowa (a swimmer) kureva mushambiri. Bavili vanoti saambilë (v. to paddle).

Zvinyorwa Zvinotodzana chinjirudza