Vavariro (target) inoreva mwero uri kutarisirwa kusvikwa nokudarikwa pabasa riri kubatwa. Somuenzaniso munhu anonzi Tanaka anokwanisa kuti vavariro yangu kuti ndinge ndavaka imba ine rhumu nomwe mugore ra 2016. Tanaka anogona kuti zvakare ndinoda kuvaka imba iyi mudhorobha reMberengwa pedyo nokumusha kwavo.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Donzvo raTanaka nderekuti ave nepekugara pakanaka pedyo nokumusha kwavo.

Chinangwa chaTanaka kuvaka imba ine rhumu nomwe mudhorobha reMberengwa.

Vavariro yake kunge avaka imba panosvika gore ra 2016.