Vhiki kana kuti svondo zvinoreva nguva inoita mazuva anoverengwa kuita masere akatevedzana. Mazuva evhiki anoverengwa zvichivamba musi weSvondo kusvika musi weMugovera. Nokumwe kutaura vamwe vanodaidza vachiti svondo.

Mazuva evhiki ndeanoti:

  1. Svondo - zuva rokutanga reVhiki kanaSvondo
  2. Muvhuro - zuva rechipiri reVhiki. Muvhuro izuva rokutanga pamazuva anoenda vanhu vazhinji kubasa, izuva rinovhura mazuva emushando paSvondo roga-roga.
  3. Chipiri - zuva rechipiri pamazuva anoshandiwa paSvondo roga roga. Uyewo, Chipiri izuva rechitatu kubva kutanga kweSvondo roga-roga.
  4. Chitatu - zuva rechitatu pamazuva anoenda vanhu vazhinji kumabasa ririvo zuva rechina kubva pazuva rokutanga kweSvondo roga-roga
  5. China - iri izuva rechina pamasuva emushando paSvondo roga-roga, ririvo zuva rechishanu kubva pazuva rokutanga kweSvondo roga-roga.
  6. Chishanu - iri izuva rechishanu riri rekupedzisira pamazuva okushanda paSvondo roga-roga asizve riri zuva rechitanhatu kubva pazuva rokutanga paSvondo roga-roga.
  7. Mugovera kana kuti chitanhatu - iri izuva rokupedzisira paSvondo roga-roga. Uyewo izuva apo vamwe vashandi vanogovegwa mibairo yekushanda kwavakaita paSvondo rose, ndiko kusaka zuva iri rakanzi Mugovera.