Zvombo (Weapons) zvinhu zvakagadzirirwa kushandiswa kuuraya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo. Kune mhando dzezvombo dzakasiyana dzinosanganisira: pfumo; uta, museve; pfuti, bhomba; zvombo zvinechefu; nezvombo zve"nuclear".

Kuomba, Kushanda chinjirudza

Mitauro yeBantu inonzi Chewa, Lungu neMambwe ine izwi rokuti kuomba rinoreva kushanda. Zvichida izwi rokuti chombo rakapfupiswa kubva pana chi-ombo - uye rinotodzana nokuti ku-omba?

  • VaChewa vanoti kuomba (to fashion, to form, to manufacture) kureva kuumba.
  • VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda. Shimwali vanoti zombo (n. utensils).
  • VaMambwe vanoti -omba kana -womba (to work) kureva kushanda. VaMambwe vanoti (a useful implement, tool) kureva chombo chebasa.
  • VaDigo vanoti chombo (container, bowl, piece of equipment, thing). VaSwahili vanoti chombo (utensil) kureva chombo chikudyisa.
  • VaZigula vanoti mata (weapons of war). VaZigula vanoti chombo kana vyombo (n. tool; utensil; vessel; ship) kureva chombo