ALLEX izita remudimurirwa rinomirira chirongwa chinonzi African Languages Lexical Project.

Zvinangwa zveALLEX:

  • Kuti vanhu vemuZimbabwe vave nemaduramazwi nezvimwevo zvinyorwa zvinobatsira kukurudzira kushandiswa kwemitauro yezvizvarwa zvemuno munyika.
  • Kudzidzisa nyanzvi dzezvemitauro dzenyika yeZimbabwe dziri paYunivhesiti yeZimbabwe kuti dzive neruzivo rwemanyorewo anoitwa maduramazwi uye ruzivo rwezvemarongerwo emashandisirwo angaitwa mitauro munyika.
  • Kugadzira hwaro hwekuti payunivhesiti yeZimbabwe patangwe muzinda vezvidzidzo zvekunyorwa kwamaduramazwi uye zvidzidzo zvekurongwa kwemashandisirwo emitauro munyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

Chirongwa cheALLEX ndechemushandirapamwe pakati peYunivhesiti yeOslo neyunivhesiti yeZimbabwe uye chinorongwa nekupihwa mari pasi pechibvumirano Yunivhesiti yeGothernburg yakapindawo muchirongwa cheALLEX muna 1992.