Kupara Mwana

(runangakatsva kubva kuAmai naBaba nyakubereka)

Pachinyorwa chino mazwi anoti kupara mwana ari kushandiswa kuturikira chinonzi adoption kuEnglish; izvi zvichireva kutora mwana mutorwa wausina kuzvara ugochimuchengeta sewako nenzira yakatenderwa pamutemo wenyika.

Kupiwa kwezita chinjirudza

Mazwi anoti kupara mwana asarudzwa kuti atodzaniswe nekupara moto, izvi zvichireva kuenda pamoto uri kubvira nechekare kwave kutora mazimbe epo kuti unovamba moto pane chimwe choto. Vamwe vatauri vanoti kugoka moto. Kufananidzwa kuri apa ndekwekuti mwana wekupara anenge achitorwa kubva pana Amai naBaba nyakubereka achinopiwa kuna Amai naBaba nyakupara; apa mwana aripo akazvarwa kare asi anorerwa nevamwewo Amai naBaba. Zvichida tingati kugoka mwana kana mwana wekugoka.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Zvakanaka kuonesana kuti mashoko ari pano haasi kushandiswa kuChiShona chinotaurwa mazuvaose; chiri kutiwa pano kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaChewa vanoti kupala kana kupalila (to choose out, seek, select). VaChewa vanoti kupara (go an errand for, be sent by someone).
  • MaZulu vanoti isitholwa (Adopted child; one adopted into the family or community). Mamwe mazwi: inxumelo (n. adopted child).
  • MaZulu vanoti thola (Adopt; receive into family or community). Muenzaniso: ukuthola intandane (to adopt an orphan). Umtholi (one who adopts; foster parent).
  • VaGiryama vanoti mwana wa kurerwa (Adopted child). VaGiryama vanoti baba wa kum'rera (Adopting father).
  • Baila vanoti kufungula (to adopt an infant) kureva kupara mwana. VaGulu vanoti ku-sagula (to adpot).