Kana munhu achiudzwa kunzi bhora pasi anenge achiyambirwa kuti asapaparike, asataurise, azvibate. Kazhinji mashoko aya anotaurwa nokuti maitiro emunhu anenge aine achizokonzera kuvhiringa mafambiro ebasa riripo. Apa munhu anenge achinzi adzikame, kana kuti kueuchidzwa miganhu yekuzvibata nayo.


Mashoko okuti bhora pasi anotodza zvinotarisirwa nedzimwe nyanzvi dzemutambo wenhabvu kuti bhora kana rabanhwa rirambe riri pasi kwete mudenga.