Zambuko reBirchenough (Birchenough Bridge) rinowanikwa mudunhu reManicaland munyika yeZimbabwe.

Birchenough Bridge

Zambuko iri rakavakwa naDorman Long uye rakapedzwa kuvakwa mugore ra1935 uye rakapiwa zita iri mushure maVaHenry Birchnough vakarasirwa madota avo munyasi mezambuko iri mushure mekufa kwavo. Zambuko iri rinonzi nevagari vemu nyika yeZimbabwe kuti ndechimwe chezvivakwa chakaisvonaka uye chakakwenenzverwa. Vanhu vemunzvimbo iyi vanorarama nekudyara nekukohwa mbesa uye nekupfuya mbudzi.

Nzvimbo iyi hainaye mvura yakawanda uye kunopisa samare. Vagari veko vanowanzopinda munguva yakaoma nechirwere chehumutu (malaria).