Makunakuna

(runangakatsva kubva kuChemina)

Makunakuna zvinoreva mhosva yokunge munhurume nemunhukadzi vane hukama hwepedyo varara vose pabonde. Sokuti hanzvadzi dzikarara dzose anenge ari makunakuna. Vamwe vatauri vanoti chimina.

Nyika zhinji dzine mitemo inorambidza chimina asi miganhu yacho yokuti chinganzi chimina chii inosiyana.

Asi vamwewo vanosanganisira zvimwe zvivi zvinonyangadza pakududza chinonzi chimina. Nemaonero iwaya, chimina zvinoreva zvivi zvose zvinonyangadza (abominations), zvichisanganisira kutadzana kwehama pabonde.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Lozi vanoti sindoe; sindoye (n. incestuous relationship).