Chena

(runangakatsva kubva kuChena (Ruvara))

Chena (kureva white) kana Jena, muvara runopesanisana neruvara nhema. Zvinhu zviri ruvara rwechena zvinhu zvakaita semukaka, mazino ne makore.

Shoko rekuti Chena rinobva kushoko rekuti; Huchena.

Pikoko chena.

Tsananguro chinjirudza

Ruvara chena ndiro ruvara rwakajekesa uye ruri achromatic (isina hyu). Neipapo, nhema kushaikwa kweruvara, asi chena kuvapo kweruvara, zvisinei mumashoko ekufananidzira chena inoshandiswa zvakasiyana. Kazhinji mumataurirwo akadai se-'peji risina chinhu'kana 'kanivhasi isina chinhu' (blank canvas), ese ari maviri anemavara machena. Mitauro mazhinji (kana asiri ese) ane zita reruvara huchena pamwe neruvara nhema, uye kunyange pfumbu.

Chirevo kuMaShona chinjirudza

Muhunhu weVaShona mavara anoonekwa muzvikamu zvina; zvitsuku (ranjisi netsvuku), zvitema (nhema, bhuruu, hute nezerere), zvichena (chena, pfumbu nehuroro) nezvitsuku futi (zvitsvukutsvuku se; tsvukuchena, indwi, nevhiore).

Ruvara chena muChiShona mucherechedzo wemufaro nekuvamutsvene, uye inowanzo pfekwa nekuda kwezvikonzero zveutsvene. Ruvara chena runobatanidzwawo parutendo pamwe nezvimwe zvitendero zvakaita seMapositori vanopfeka ruvara rwezvikonzero zvekunamata.

Ruvara ruchena, runoshandiswa serozvemweya, rufu, kucheneruka (kurevachinhu chashandiswa zvakanyanyisa chaakurasa ruvara rwacho), kana kucheneruka kweganda kureva munhu aneshena kana akasviba. Uyezve, chena rwaive ruvara rwe kuenda kunonamata, ruvara rwe zvekudivi risiri roupenyu asi rerufu ('the otherside'/'spirituality').

Mashandisirwo eshoko chinjirudza

Shoko rekuti chena rine zvirevo zvakapetwa zviviri muChiShona, rinogona kureva ruvara uye rinogona kurevawo utsanana. Rinoshandiswa pazvirevo zvekuti "ndakachena," kana "ganda chena", uye shoko rinogona kureurwa se'Jena'. Shoko rekuti 'jena' rinoshandiswa sezvinoita chena, nemuzvirevo zvekuti "ganda jena" kana "jenaguru" (jenaguru rinogona kureva 'mwedzi').

Mutsika dzevaBantu mavara akakosha kwazvo, sezvekuda nezvekunamata, chitendero, kana kwechikonzero chedzinza. Kusvika kweVatorwa vamwe vemuAfrica (kunyanya vekuChamhembe neKumabvazuva) vaifarira matehwe emhuka, shava, nhema, chena, uye madhizaini patenzi eingwe nembizi. Sezvo makara uye mapatani matsva aizivikanwa mumaUmambo hwemuAfrica, mavara aishandiswa nekuda kwezvikonzero zvakaita semichato, mariro kana hunyanzvi.

 
Swani chena.
 
Taiga chena.

Mabviro eruzivo: chinjirudza

1. Adam Jacot de Boinod, 29 April 2014, What vocabularies tell us about culture

2. The Patriot, 25 June 2015, Colour s