Chidharimbo (kureva kitten) mwana kana imangoi ye chidoko. Mushure mekuzvarwa, zvidharimbo zvinorakidza hu-altriciality hukuru uye zvinoringirira kunamai vadzo kuti dzirarame. Hadzivhuri maziso adzo kusvika mazuva nomwe kana makumi. Papfuura pamwe masvondo maviri, zvidharimbo zvinotanga kukura dzichizviitira zvinhu wo uye nekufambaira kunze kwe kumba kwadzo. Patipfuurei mamwe masvondo matatu kana mana, dzinotanga kudya chikafu chakakodoka (godo) nomera mazino echimwana.

Zvidharimbo zvokupfuya zvinofarira kuva pane vanhu uye dzinowanzo farira kushamwaridzana nevanhu.