Chimera mumera kana kuti mamera (malt; sprouted corn, used in brewing traditional beer) imbesa dzinoshandiswa mukubikwa kwedoro. Vamwe vanoti mvuriro. Chimera chinogadzirwa nekunyikwa mumvura kusvika mbesa dzacho dzava kutanga kumera. Padzinenge dzava kutanga kumera dzobva dzanyururwa dzowomeswa nekusasikwa pamushana dzobva dzatswiwa muduri kana kukuyiwa paguyo. Mbesa dzinonyanya kushandiswa dzinoti zviyo, semuenzaniso njera, mapfunde, chibage, barley negorosi.

Pazvinonyikwa zviyo, zvino funga kuti zvadyariwa. Mutota wobva wakonzeresa mbeu idzi kuti dzigadzire maenzymes akasiyana-siyana anosanganisira erwudzi rwemaprotease nemaamylase. Ma enzymes aya anotanga kugaya maproteins nemacarbohydrates ari mumbeu kuenda kumaamino acid netsvigiri izvo zvinodiwa pakumera kwembesa dzacho. Dzisati dzanyanya kukura vanobva vamisa kukura uku nekuwomesa mbesa dziya maenzymes aya asati ashandiswa nedzinde riri kumera. Ma enzymes aya ndiwo anozo shandiswa mukubikwa doro.

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaSwahili vanoti kimea (sprouted seed of grain - used for making beer).
  • Mururimi rweLuwanga vanoti amamera (yeast e.g., for making beer, often from finger millet or maize, see also limera)).