Shoko rokuti chinangwa (Aim) rinoreva chiri kutarisirwa kuti chibudikire kana kuzivikanwa kubva pabasa riri kuitwa. Zvinangwa zvebasa riri kubatwa zvinogona kuva zvizhinji. Chinangwa chikuru chinobatanidza zvinangwa zvose chinzoni donzvo. Basa rekuverengwa kwevanhu rine donzvo rokuti hurumende ikwanise kuronga mabasa ayo ichiziva huwandu hwevanhu huri kushumirwa nemabasa aya.

Pasi pedonzvo pane zvinangwa zvakawanda. Zvinangwa pakuverengwa kwevanhu zvinosanganisira:

  • Kuronga mabasa ehutano.
  • Kuziva kuti huwandu hwevanhu huri kukura sei.
  • Kuziva kuti vanhukadzi nevanhurume vangani.
  • Kuziva kuti vanhu vanogara munzvimbo dzipi, vakadzidza zvakadini uye vanotambira mari yakawanda sei pagore.