Chindebele (chekuMaodzanyemba)

<- Dzvanyai Pano: Kudzidza Chindeḅele ->

Chindevere (Nde: Sindebele; Nge. Northern Ndebele) kana Chindeḅele pa Chishona, mutauro we Chibantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, Afurika Chamhembe neVutswana. Kunonzi zita rokuti Ndeḅele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weChitswana nokuti varwi veChindeḅele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindeḅele mutauro we Chinguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindeḅele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Chindeḅele nekuti munhoroondo Chindeḅele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindeḅele ne rusinga rwe Vandeḅele .

Chindeḅele chekuMaodzanyemba (chekwedu kuZimbabwe) chakasiyana ne Chindebele chekuAfurika Chamhembe.

Zita chinjirudza

Chishona chinoti Chindevere, Chindevele kana Chindeḅele pachiiswa dhoti pazasi pe "" nekuti akasiyana neweChishona.

Mabhii e Chindeḅele chinjirudza

Tafura ye Mabhi chinjirudza

Mandeḅele vanoshanidsa Chiratini kunyora, asi vane mabhii avo anoenderana nemutauro wavo, nekuti Chiratini hachina manzwi arimo muChindeḅele .

Mabhii e Chindeḅele
a b c d e f g h i j k l m n nd ng o p q r s t u v w x y z
bh ch dl gw hl jw kh lw mp nk ndl ngw ph qh th th xh
chw gq khw mhl nt

ntw

ndw ngx tsh
gx kw ml ny
kl mtsh nx
mph nq
mz nj
mng nz
mg ns
mb nw
nc

Zvinzvovera chinjirudza

Zvinzvovera kana Zvivaramwana

Zvivaramwana zve Chindeḅele
Nzvovera Chindeḅele Chisitandadhi Shona Chirungu
a amanzi mvura water
e eba iba steal
i ingwe ingwe tiger
o oma oma dry
u ugogo gogo / ambuya grandmother

Mazwi ari pedyo ne eChishona chinjirudza

Chistandadhi Shona Chindeḅele
baba ubaba
pamberi phambili
kuseka ukuhleka
varimi abalimi
muvusi umbusi
vakadzi abafazi
mugwagwa umgwaqo
dhorobha idolobha
kushanda, kusevenza ukusebenza
kudya ukudla
chibage magwere
kufamba ukuhamba
rurimi ulimi
mhara impala
nyati inyathi
nzou indlovu
chanza isandla