Chiremera

Chiremera (dignity) zvinotaura kuva netsika, mafambiro, mapfekero kana matauriro anoremekedzeka okuti vamwe vakanzwa kana kuona havashore asi vanoyemura.

MuenzanisoEdit

  • Kutaura zvinyadzi kunobvisa chiremera chemunhu.
  • Kupfeka rokwe rinonjenjemera kunobvisa chiremera chomudzimai.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaLenje vanoti wulemu (reverence; honour; civility, compliment) vachireva chiremera kana huremu.