Dunhu rekwaChivi riri kuMasvingo Province muZimbabwe. Chivi idunhu remhari rakashomeka mvura yekunaya, rinowanikwa riri paMutunhu weKurima 4 pamwe ne5. Munguva yaitonga Varungu dunhu iri raidanwa kunzi Chibi.

Kurima chinjirudza

Dunhu rekwaChivi rinowanikwa munyika inonyanya shangwa, iri kuMaodzanyemba kweMwenezi nekuMadokero kweMasvingo (District). Chikamu chikuru chedunhu iri chakagarwa nevarimi vanozvirimira nemhuri dzavo. Nokuda kwekushomeka kwemvura yekunaya, Hurumende yeZimbabwe yakaparura mibisho yevanodiridza minda, izvi zvine chinangwa chokubatsira mhuri dzemo kuwana mari yokuraramisa.

Zvikoro chinjirudza

Dunhu rwekwaChivi rine Zvikoro zvizhinji, pane zvakakurumbira kunoti: Chibi High, Berejena Mission, Nyaningwe St. Lukes nezvimwe zvikoro zvidiki zvinopinda vana vachibva kudzimba. Zvikoro zvePrimary zvinowanikwa mudunhu iri zvinosanganisira: Mushayi; Madyangove ; Mpagamuri; Mawadze; Musvovi; Chomuruvati; St Marry, Nemauzhe; Berejena mission; Chikofa, Gwamatoto; Muvhundusi, Vundembe, Dombo, Mazorodze, Mangwana, Nyevedzanai, Masunda South, Masunda North, Chasiya; Matihwa, Mhosva, Befura, Mukotosi, Madamombe, Mudadisi, Sukwe zvichingodaro.

Mitauro yeBantu chinjirudza