Zvombo

(Redirected from Chombo)

Zvombo (Weapons) zvinhu zvakagadzirirwa kushandiswa kuuraya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo. Kune mhando dzezvombo dzakasiyana dzinosanganisira: pfumo; uta, museve; pfuti, bhomba; zvombo zvinechefu; nezvombo zve"nuclear".

Cukštejn dobývací stroje 1.jpg

Kuomba, KushandaEdit

Mitauro yeBantu inonzi Chewa, Lungu neMambwe ine izwi rokuti kuomba rinoreva kushanda. Zvichida izwi rokuti chombo rakapfupiswa kubva pana chi-ombo - uye rinotodzana nokuti ku-omba?

  • VaChewa vanoti ku-omba (to fashion, to form, to manufacture) vachireva kuumba.
  • VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda.
  • VaMambwe vanoti -omba kana -womba (to work) kureva kushanda. VaMambwe vanoti (a useful implement, tool) kureva chombo chebasa.
  • VaDigo vanoti chombo (container, bowl, piece of equipment, thing). VaSwahili vanoti chombo (utensil) kureva chombo chikudyisa.