Concession musha uri muDunhu reMazowe kuMashonaland Central. Concession inowanikwa makiromita 50 kubva muguta reHarare. Musha weConcession unozivikanwa kunyanya nematura eGMB anoonekwa panzira inobva kuMazowe. Mibato iri mumusha uyu inosanganisira: kurima, migodhi yendarama, Concession Transport neConcession Hospital. Consession inotongwa neMazowe Rural Council.

Mana emuConcession chinjirudza

Mana anogara vanhu muConcession anosanganisira: Amandas, Dandamera, kumaTangwena, Concession Mine?, Riverside neRailways.

Dzidzo chinjirudza

Zvikoro zviri muConcession ndezvinoti: Amandas Primary School, Dandamera Primary School, Kundayi Secondary School], Barwick School neBlackforby College.

Nzvimbo Dzakakomberedza chinjirudza

Misha iri pedyo neConcession inosanganisira: Mazowe, Glendale, Chiweshe uye Mutorashanga.