Muchidzidzo chePimanyika, denderende (Ellipse) izita rinoreva munyonga uri pamutsendo, unoonekwa panochekwa charaka zvichitevedza mutsendo nenzira inopa munyonga wakavharwa kwese (closed curve). Izvi zvinoreva kuti mutsendo wacho unocheka nenzira yokuti chiumbwa chinosara pachekwa chine munyonga chete pasina mutsetse wakati twasa; mutsendo haucheke hwaro kana chisuvi chiri pacharaka.

Denderende harisi denderedzwa asi rine chiumbwa chinoda kufanana nezai.