Shoko rokuti dzira (nerve) riri kushandiswa pano kuturikira inonzi nerve kuEnglish ingafananidzwa netsinga asi kuti iyo haitakuri ropa - inotakura mashoko anofamba pakati penhengo dzemuviri nehuropi. Zvinonzi kuti munhu azive kuti gumbo rarwadza, dzira rinobata nhengo iyoyo rinenge ratumira mashoko ekurwadziwa anozodudzirwa muhuropi.

Asi vatauri vazhinji vanoti dzira itseta kana shinda dzinowanikwa pambambaira, miriwo kana nyama zvikurusei semombe dzakura - sinew in cooked meat.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Dagbani vanoti jila (sinews) kureva dzira. Mamwe mazwi: jiliga kana jiligi (n. tendon).