Gonyozhinji

(runangakatsva kubva kuGonyashanu)

Muchidzidzo chePimanyika, gonyozhinji (polygon kuChirungu) chiumbwa chine mativi mazhinji; kubvira pamatatu zvichikwira. Mitsetse inobatana pamikwava inenge yakati twasa.

Kupihwa kwezita chinjirudza

KuChirungu izwi rokuti "polygon" rinoreva chiumbwa chine mativi mazhinji uye gonyo zhinji. Shoko rinoti poly rinoreva many - kuwanda. Shoko rinoti "gon" rinobva pashoko rekuti gonia (Latin) rinoreva bend kana kuti ankle. Isu kuChiShona tichapa zita rokuti gonyozhinji kududzira shoko rokuti polygon. Zvichinge zvamira nenzira iyoyi hazvichanetsi kupa mazita eShona kuzviumbwa; tinenge toverenga kuti chiumbwa chine gonyo (mikwava) ngani kana kuti mativi mangani.

  • Triangle ine mativi matatu inenge yonzi gonyonhatu.
  • Quadrilateral ine mativi mana inenge yonzi gonyoina.
  • Pentagon ine mativi mashanu inenge yonzi gonyoshanu.
  • Decagon ine mativi gumi inenge yonzi gonyogumi, zvichingodaro.

Tichiri ipapo zvakafanira kuti tionesane kuti gonyozhinji rega-rega rakaumbwa riine mativi anoverengwa kuenzana nemagonyo ari mukati mechiumbwa ichocho.

Magonyo egonyozhinji chinjirudza

gonyozhinji rega-rega rine mativi anoverengwa kuenzana nemikwava yarinaro. Mukwava wega-wega une magonyo ane chitsama. Magonyo anonyanya kuwongororwa ndeaya:

Magonyo emukati – Magonyo emukati egonyozhinji ine mativi n (n-gonyo) anohwerengedzwa kusvika (n − 2)180o. gonyozhinji ine mativi n inokwanisa kutariswa sokunge yakavakwa negonyonhatu n dzinosangana paGoko regonyozhinji. gonyo inotenderera pagoko yakakura 360o, kana kuti 180(2). Tikabvisa kukura kwegonyo riri pagoko kubva pakukura kwemagonyo ari mugonyonhatu dziripo "n", tinowana (n − 2)180o kukura kwemagonyo emukati, megonyozhinji. Poinsot ndiye akatanga kutsvakurudza nekunyora pamusoro pemagonyo emukati egonyozhinji.

Makonyo ekunze - aya magonyo anohwerengedzwa kuita 360k, apa k anenge ari nhamba yakazvikwanira (interger).


Mipanda yeGonyozhinji chinjirudza

Kune gonyozhinji rinenge rine mativi akaenzana uye mikwava yakaenzana; irori rine kuchenzana kwemativi nemagonyo ndiro rinonzi gonyozhiji remachenzano - (regular polygon). Kunoitawo gonyozhinji rine mativi kana magonyo asina kuenzana; irori risina kuchenzana kwemativi nemagonyo ndiro rinonzi gonyozhinji risakachenzana - irregular polygon.