Gurunera raMaslow kuturikirwa kwegwaro rakanyorwa nemurume anonzi Abraham Maslow rinonzi Maslow's Hierachy of Needs kuChingezi. Gwaro iri rinotaura pamusoro pezvinhu zvakakosha zvinokwashiwa nevanhu pakurarama kwavo, ichidudzira hukoshi hwezvinhu izvi zvichienderana nedanho rasvikwa nemunhu pahupenyu hwake. Saka gwaro raMaslow rinotaura pamusoro pekutanhikidwa kwezvinhu zvakakomba zvinokwashiwa nevanhu - apa kureva kuti kune matanho akasiyana ezvikombe izvi. Shoko rokuti gurunera riri kushandiswa kuturikira chinonzi hierarchy kuChingezi chinova gwaro rinodudza kutevedzana kwakaita vanhu kana zvinhu nemwero wehukuru hwavo kana hukoshi - mawuto, nzanga, masangano, hurumende zvose zvine gurunera hunodudza kuti munhu nemunhu chinzvimbo chake ndechipi, ndiyani mukuru wake uye vadiki kwaari ndevapi.

Shoko rokuti gurunera riri kushandiswa pano kuturikira hierachy. Saka pano matanho ehukuru kana hukoshi hwezvinhu ari kuonekwa segurunera. Pfungwa yatevedzwa ndiyo iri pamazwi anoti: gurudadi, gururunda; gurusvusvu; gurumwandira.

Gurunera raMaslow chinjirudza

Dudziro yeGurunera reZvikwashiwa hwaMaslow zvichitaridzwa panhurikidzwa ine zvikwashiwa zvakakoshesa kuzasi

.

Gurunera raMaslow rinobata zvinhu zvinosanganisira:

  • Ruambamuta (Physiological) zvinhu zvinodiwa nemuviri zvinosanganisira: mweya wekufema; zvokudya; zvokunwa; imba yokugara; bonde uye kurara hope.
  • Ndaramo (Safety) inobata nhau dzinosanganisira: rugare; rudekaro; mutemo; rugadzikano; kuchengetedzeka kwenzvimbo nevanhu.
  • Rudo neHukama (Love and Belonging) kuva nemhuri; kuva nevanokuda; kuva nevaunoshandidzana navo.
  • Ruremekedzo (Esteem) ruchisanganisira: ruremekedzo panzvimbo dzokushanda kana muruwa matinogara; kuva nezita rakanaka muvanhu.
  • Ruwonekero (Self-Actualization) zvinobata nhau dzinosanganisira: kusimukira pahupenyu uye kugutsikana nehupenyu hwako.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Pane mazwi akakosha pakutsanangura magwaro akanyorwa naMaslow; aya mazwimawunganidzwa pano kuti azoshandiswa mberi.

Mitauro ye Chibanthu chinjirudza

  • Herero vanoti otyi-vangua (n. desideratum - something wanted or needed). Swahili vanoti matakwa kana kutaka (Need) kureva zvipangwa.
  • Noni vanoti shiee (n. 1. need, 2. want, 3. wish, 4. desire, 5. reason for doing something, 6. interest). Mamwe mazwi: shieele (v. 1. need, 2. want, 3. require, 4. wish, 5. desire, 6. interest, 7. search for).
  • Sangho vanoti kota (big, large, enormous, important, superior) kureva huru. Ko tikati ukotabuwa kana ukotaguru kuturikira hierarchy? Apa buwa zvichireva boka.