Hugaro paSherufu (Shelf Life) hurefu hwenguva yakatarwa inotarisirwa kuti zvinhu zvinotengeswa zvingachengetwa mubangiro zvisati zvashata, zvichiri nechimiro chakanakira kushandiswa, kudyiwa kana kutengeswa. Hugaro pasherufu hunotaurwa pamusoro pezvinhu zvinosanganisira: zvidyo, zviniwa, mishonga yekurapa nezvimwe zvinoshata. Mune dzimwe nyika kwakatemwa mitemo yokuti zvinotengeswa zvose zvakanyowa kuti zvakanaka dheti iri risati rapfuura.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaGulu vanoti ki-hala (n. shelf). Vanoisa h pana p, Sokuti ku-hungula vachireva kupungura.