Hwindi zvinoreva munhu anoshanda muKombi kana Emergency Taxi anobata achiitambira mari kubva kuvanhu vanenge vafamba nemuchovha uyu. Basa rahwindi rinosanganisira kukokera vanhu kuti vauye vapinde mubhazi kana muchovha waari kushandira.

Zvakakosha paBasa raHwindi chinjirudza

  • Kuva munhu anokwanisa kutaura nevanhu.
  • Kuziva kubata mari achiziva masvomhu emari dzaanobata.
  • Munhu anokwanisa kuswera akamira asinganeti makumbo ake.
  • Munhu anokwanisa kushevedzera parhenki asinganyare.

Mukuswera nana Hwindi chinjirudza

Ana hwindi vanhu vanomukira basa rungwanani, vagoswera varipo pabasa nedzimwe nguva vachichayisa kwasviba. Imwe nguva vanhu vanoita hasha kana kutaura pfocho vachinge vasangana neavadenha.