Kubindura (to be in heat- female dog ).

Imbwa dzinoyaruka zvokukwanisa kubereka padzinenge dzave nemwedzi mitanhatu kusvika gumi nemiviri (6-12); izvi zvinoititka kune mikono zvose nehadzi. Nzvari inoti kana yabindura inenge yagadzirira mupfungwa nemuviri wayo kuti inge ichishumirwa nemukono. Kubva painobindura imbwa nzvari, mazai acho anorarama kwesvondo zvichireva kuti panguva iyi nzvari inokwanisa kushumirwa nemikono yakawanda.

Imbwa dzinozvara mushure memazuva 56-72 mushure mekumita. Imbwa inobereka vana vanowanza kusvika vatanhatu (6). Mwana wembwa anonzi handa, mbwanana, kana kuti mhondana.

Mazwi eBantu chinjirudza

  • Mururimi rweKikongo vanoti bindula (unlock, unfasten, unbolt).
  • Mururimi rweKikongo vanoti binduka (to be unbolted). Mamwe mazwi: bindika (to lock).
  • Chuwabo vanoti obindura (v. to be pregnant) kureva kuva nenhumbu.