Muchidzidzo masvomhu, Kubvisa (-) (Subtration in English) zvinoreva kutapudza kubva pane huwandu hwezvinhu zviripo. Kana paine huwandu a kuchibviswa huwandu b, chiitiko ichi chinonyorwa sezvizvi a - b.

Chiratidzo chekubvisa chiri pakati

a - b zvinoreva kuti huwandu hunosara pakubvisa zvinhu b kubva muzvinhu a.

Muenzaniso;

6 - 4 = 2: zviviri ndihwo huwandu hunosara mukubvisa zvhinhu zvina kubva muzvitanhatu

Pane hukama pakati pekuwedzanisa nekubvisa. Kubvisa kwakafanana nekuwedzanisa zvauinazvo nezvawakakwereta uchirangarira kuti zvawakakwereta zvinoita kuti zvauinazvo zvive zvishoma nehuwandu hwezvikwereti.

Kubvisa, chiitiko chingashandiswa kupangidza zviitiko zvina (4) zvinoda kunofanana sezvizvi:

  • Kubva paboka rezvinhu tinoda kubvisa zvinhu zvine huwandu hunozivikanwa. Ngatitii semuenzaniso tine maapple 5 tobvisa 2, tobva tasara ne 3.
  • Kubva pane chinhu chakapimwa tinoda kubvisa huwandu hwakapimwa nechiyero chimwecho. Kana ndairema 100 kg ndodonhedza 5 kg, ndinenge ndave kurema 100 - 5 = 95 kg.
  • Kufananidza zvinhu zviviri zvine huwandu hunopimwa nechiyero chimwe. Somuenzaniso ngatitii tinoda kutsvaga musiyano pakati pa $800 na $600, tinoti $800 - $600 = $200.
  • Kutsvaga nhambwe iripo pakati penzvimbo mbiri tichitangira kubva pahoko imwe chete inozivikanwa, isingatsukunyuke. Somuenzaniso kana pari pamugwagwa mumwe taona chikwangwari chinoti 150 km, shure kwezvo tozoonazve chimwe chinoti 160 km. Kureva kuti pafambwa 160 - 150 = 10 kilometres.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kudusa (Take, or bring, away, or out or off) apa kureva kubvisa chinhu panzvimbo kana panhu.