Kugura Zvakabatana

(runangakatsva kubva kuKugura (Kudimbura))

Shoko rokuti kugura (sever, disunite, disjoint) rinoreva kupatsanura chikamu kubva pane mhumburu yechiro chizere. Kugura uku kunodaro kuchiitwa kuburikidza nokucheka, kutema, kutsemura, kukwachura, kutyora kana imwewo nzira inopatsanura.

Kutatamuka kunotaurwa pachinhu chakaita sendandi (elastic) inotandauka nomwero wakakura ichikwanisa kudzoka kana fosi rabviswa.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Ndigurirewo nhango imwe yeranjisi rako.
  • Kuroorana kwavo kwakatozogoneka mushure mokunge vagura ukama; Toendepi akaripa mombe yechekaukama.
  • Hatina kuzopedza nyaya yedu yatanga tichitaura, tagurira pakati papinda vamwe vanhu.
  • Munguva yohutongi hwerusarura ganda muSouth Africa, nyika zhinji dzePasirose dzakanga dzagura hukama hwekutengeserana neSouth Africa.

Hurapi chinjirudza

  • Kugura nhengo (amputate).

Shoko rokuti kugura (sever in English) rinoreva kupatsanura chikamu kubva pane mhumburu yechiro chizere. Kugura uku kunodaro kuchiitwa kuburikidza nokucheka, kutema, kutsemura, kukwachura, kutyora kana imwewo nzira inopatsanura.

Kutatamuka kunotaurwa pachinhu chakaita sendandi (elastic) inotandauka nomwero wakakura ichikwanisa kudzoka kana fosi rabviswa.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Ndigurirewo nhango imwe yeranjisi rako.
  • Kuroorana kwavo kwakatozogoneka mushure mokunge vagura ukama; Toendepi akaripa mombe yechekaukama.
  • Hatina kuzopedza nyaya yedu yatanga tichitaura, tagurira pakati papinda vamwe vanhu.
  • Munguva yohutongi hwerusarura ganda muSouth Africa, nyika zhinji dzePasirose dzakanga dzagura hukama hwekutengeserana neSouth Africa.

Hurapi chinjirudza

  • Kugura nhengo (amputate).

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaTonga vanoti kuka (be dislodged, fall out, come out - of teeth) kureva kuguka.
  • VaChewa vanoti gulula (To separate, as a substance from anything with which it is in union — hence to extract teeth) kureva kugura.
  • VaChewa vanoti gulula (disjoint, dislocate, disunite, remove bars of a gate).
  • VaUmbundu vanoti timbula (chop, break off - sadza, bread etc.) kureva kudimbura.
  • VaLozi vanoti -kula (v.t. 1. to draw out, to pull out tooth, nail, etc; 2. to take the handle off a hoe; 3. to pluck fruit; 4. to take to pieces - machinery) vachireva kugura.