Vanhu veChiShona vanokoshesa kumhoresana. Kazhinji mwana mudiki anotarisirwa kutanga kumhoresa munhu mukuru. Kune mamhoresero akasiyana-siyana, zvichienderana nenguva uye mazera evanhu. Vanhu vanomhoresana kana vatanga kuonana asi vasingazivane; kana vachizivana asi vapedza mazuva matatu kana kupfuura vasina kuonana; kana kuti vachigara vachionana asi zvichienderana kuti inguvai yezuva.

KUMHORESANA KWEVANHU VATANGA KUONANA chinjirudza

1) Pakati pevana vadiki

A: Mhoro.(Achitambanudza ruoko rwerudyi)
B: Mhoro. Wakadii zvako/hako?(Achitambanudzawo ruoko rwerudyi)
A: Ndiripo kana wakadiiwo.
B: Ndiripo zvangu/hangu.

2) Pakati pemwana muduku nemunhu mukuru

Mwana : Mhoroi.(Achitambanudza ruoko rwerudyi)
Mukuru: Mhoro. Wakadii zvako/hako?(Vachitambanudzawo ruoko rwerudyi)
Mwana : Ndiripo kana makadiiwo.
Mukuru: Ndiripo zvangu/hangu.

3) Pakati pevanhu vakuru vaviri

A: Mhoroi.(Vachitambanudza ruoko rwerudyi)
B: Mhoroi. Makadii zvenyu/henyu?(Vachitambanudzawo ruoko rwerudyi)
A: Ndiripo kana makadiiwo
B: Ndiripo zvangu/hangu

4) Pakati pumunhu mukuru neboka revana(Apa munhu mukuru ndiye anotanga sezvo ari kumhores vanhu vakawanda)

Mukuru: Mhoroi vana/vakomana/vasikana
Vana  : Mhoroi. Makadii zvenyu/henyu?
Mukuru: Ndiripo kana makadiiwo
Vana  : Tiripo zvedu/hedu

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaXhosa vanoti molo (hello) kureva mhoro.
  • MaXhosa vanoti molweni (hello) kureva mhoroi.
  • VaVenda vanoti morodza (v. greet) kureva kumhoresa. Izwi rokuti morodza rinotodza Afrikaans inoti more.