Huni

(runangakatsva kubva kuKusemwa)

Rukuni (nge. firewood) kana huni pahuwandu, matanda emuti akatsemurwa kuti apiswe muchoto pangava pakubika kana kuti kudziya moto. Huni dzekubika dzinoshandiswa dzakaoma dzisina hunyoro kuitira kudziya kuzhinji.

Huni (Mali)
Huni (Kenya)

Huni dzinoshandiswawo pakupisa zvidhinha; huni dzekupisa hovhoni yezvidhinha dzinoshandiswa dzimwe dziri nyore dzinova ndidzo dzinotsva kwenguva refu.

  • Dehwa kana madehwa (Contribution of firewood to the dare) apa kureva chikamu chehuni chinounzwa neumwe nemumwe anouya padare. Vamwe vanoti dezwa.
  • Bunga kana -teza (Gather firewood) zvichireva kuunganidza huni.
  • Chisemo kana rusemo (splinter of wood that has penetrated flesh) apa kureva kabanzu kabayira munyama.
  • Kusemwa (to get splinter in flesh) zvichireva kuseyiwa nekasemo.
  • Chisepedzo kana rubanzu (a splinter).
  • Kuwoza huni (to gather firehood) kutaura kuunganidza huni. Chiwoza, Kawoza zvaari mazita evanhu.
  • tsiga kana tsika (log).

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Akajatira svinga rehuni pasi: she threw down the bundle of firewood - (from off her head).
  • Ndaseyiwa nechisemo chehuni yemupfuti.
  • Tsemura danda neimbwa - split the log with a wedge.
  • Teza huni dzokubikisa doro: gather firewood for beer brewing.

Tsumo chinjirudza

  • Mwoyo ibakwa, chaunoda unoturika.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Nyungwe vanoti nkhuni (n. firewood) kureva huni. VaFwe vanoti zikuni (tree) kureva muti. Ngiemboon vanoti tsěm (n. piece).
  • VaHerero vanoti orukune (a piece of wood) kureva rukuni. VaZigula vanoti lukuni kana nkhuni (n. firewood) zvichireva huni.
  • MaZulu vanoti banda (v. Cleave (wood), split with axe). Muenzaniso: uku6anda izinkuni (to split up firewood)). Hadiyya inoti hakka (n. wood).
  • Baila vanoti andaula (n. chop up firewood) kureva kutema huni. Mamwe mazwi: andula (split up). Andulwa (to be split up by somebody).
  • Moba vanoti kuun; kuun; kuund (v. put logs in the fire of the fireplace) kuisa huni mumoto. Fananidzai nokuti kukunhidzira moto?