Shoko rokuti kusuzumira (standing on toes) rinoreva kumira munhu akatsika nezvigunwe zvetsoka asina kutsika netsoka yose, apa chitsitsinho chinenge chisina kutsika pasi.

Mwana akasuzumira kuti asvikire bhuku

Kazhnji munhu anosuzumira kuti akwanise kusveverera nokusvikira chinhu chiri padenga chaasinga kwanise kusvikira kana akamira akatsika netsoka yose.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Mang'anja vanoti kusuzumira (to peep; to look over; spy). Sokuti - ku suzumira nkondo - zvichireva kutarisa kuti hondo iri kuuya here?